Sport & Entertainment

Bizarre Frequently Asked Questions (Just For Laughs)

Gore Redzidzo, people have a habit of asking things that are so obvious. Since it’s the year for learning (gore redzidzo), here’s how you should reply them next time people ask you silly questions.

laughing

VANHU VASINGADE KUFUNGA.

1. Anokufonera kuma2am hanzi wakarara here ? Muudze kuti aiwa ndiri kuundura huku.

2. Wakagera musoro wako zuda hanzi iiii wakagera musoro ? Iti aiwa ndakasonera weave.

3. Uri kuyamwisa zvako mwana wako hanzi mwana wako here uyu ? Iti aiwa ndewaLandlord

4. See u cooking hanzi uri kubika here ? Iti aiwa ndiri kugeza.

5. Kukuona mu Chicken Inn hanzi uri kudei muno ? Muudze kuti ndauya kuzobhadhara fees yemwana.

6. Uri kutaura Ndebele hanzi wakaidzidzirepi ? Iti ndakaidzidzira kuJamaica.

7. Kusangana ku Mall hanzi aaa newewo uri pano ? Iti aiwa ndiri kudenga.

8. Womutengera maroses e Valentine hanzi maroses here aya ? Iti aiwa macarrots.

9. Anokuwana wakarara hanzi wakapfekei ? Iti raincoat nema gumboots.

10. Wakapfeka magirazi hanzi ndee maziso here ? Iti aiwa ndee chifuva.

Are u not one of them who asks these vague questions???😅

Related Articles

Back to top button